1 Peter 2

Kurai muna Kristu

1Naizvozvo bvisai uipi hwese nemano-mano ese neunyepedzeri negodo neucheri hwese, 2savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka usina kunyengera wakarongeka, kuti mukure nawo; 3zvimwe kana makaravira kuti Ishe ane moyo munyoro. 4Wamunouya kwaari, ibwe benyu, rakarambwa zvirokwazvo nevanhu, asi pana Mwari rakasarudzwa, rinokosha, 5imwiwo semabwe mapenyu makavakwa muve imba yemweya, upristi utsvene, kuti mubaire zvibairo zvemweya, zvinogamuchirika kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu. 6Naizvozvo murugwaro zvirimowo, zvinoti: Tarira, ndinoisa muZiyoni ibwe repakona, rakasanangurwa, rinokosha; neanotenda kwaari haangatongonyadziswi. 7Naizvozvo kwamuri munotenda anokosha; asi kune vasingateereri: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona, 8uye ibwe rekugumbusa nedombo rekupinga; vanogumburwa pashoko vasingariteereri; ndizvo zvavakaisirwawo. 9Asi imwi muri dzinza rakasarudzwa, upristi hweumambo, rudzi rutsvene, vanhu vakawanikwa, kuti muparidze kwese kunaka kwaiye wakadana imwi kubva parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa; 10imwi maimbova musi vanhu, asi ikozvino muri vanhu vaMwari; makange musina kunzwirwa tsitsi, asi ikozvino manzwirwa tsitsi.

Mufambiro wevaKristu pakati pevahedheni

11Vadiwa, ndinokukumbirisai sevatorwa nevapfuuri, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nemweya; 12mune mufambiro wenyu wakanaka pakati pevahedheni; kuti pavanokumhurai sevaiti vezvakaipa, pamabasa akanaka avanoona varumbidze Mwari nezuva rekushanyirwa.

Tinofanira kuzviisa pasi pevatongi venyika

13Naizvozvo muzviise pasi pechimiso chimwe nechimwe chevanhu nekuda kwaIshe; kana ari mambo, saiye anotonga; 14kana kuvatungamiriri, sekune vakatumwa naye pakurangwa zvirokwazvo kwevaiti vezvakaipa, asi ive rumbidzo yevanoita zvakanaka. 15Nokuti ndizvo zvinoita chido chaMwari, kuti nekuita zvakanaka munyaradze kusaziva kwevanhu mapenzi; 16sevakasununguka, asi musava nekusungunuka sechifukidzo chezvakaipa, asi sevaranda vaMwari. 17Kudzai vese. Idai ukama. Ityai Mwari. Kudzai mambo.

Varanda

18Varanda, zviisei pasi pemadzitenzi nekutya kwese, kwete kune vakanaka nevanyoro chete, asiwo kune vasakarurama. 19Nokuti idzi inyasha, kana nekuda kwehana kuna Mwari munhu achitsungirira kurwadziwa, achitambudzika zvisakafanira. 20Nokuti zvine rumbidzo yei, kana muchitadza ndokurohwa muchitsungirira? Asi kana muchiita zvakanaka uye muchitambudzika muchitsungirira, izvi inyasha kuna Mwari. 21Nokuti makadanirwa izvi, nokuti Kristuwo wakatambudzikira isu, akasiira isu muenzaniso, kuti mutevere makwara ake; 22iye asina kuita chivi, nekunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make; 23iye wakati achituka haana kutukawo; achitambudzika haana kutyityidzira; asi wakazvikumikidza kune anotonga zvakarurama; 24iye amene wakatakura zvivi zvedu pamuviri wake pamuti, kuti tafa kuzvivi tiraramire kururama; iye wamakaporeswa nemavanga ake. 25Nokuti makange makaita semakwai akarasika; asi ikozvino madzokera kuMufudzi neMutariri wemweya yenyu.

Copyright information for Shona